Woza Moya – Shona – April 2008

MIRIRA MWANA WAKO

Zvesarudzo zvakauya zvikapera saka veWOZA varikuda kuongorora avo vemuno muZimbabwe nedzira yavakanovota nemoyo murefu kwavaka zvipamidza vakamirira vekuZEC kuthi vaite zvinuzvavo zvakanaka. Viki rapera kusisina zwakapuda musarudzo, vekuZEC varikuderera moyo yedu mirefu. Vamwe vedu takano vota tichiziva kuti zvichapuda musarudzo yedu zvichabiwa. Ma poritidzhieni varikungotukana Zimbabwe ichitsva. Kana uchiverenga izvi, funga mwana wako nezvawaimudira kuti aveneupenyu wakanaka. Funga kuti vana vako varikuyiteyi. Varikudzidza zvakanaka here kuchikoro kana varikurara ne maka yokuti hakuna vadzidzisi? Vaka rainira mvura kana varikutema huni? Kana varikure kunedzimwenyika? Ndiyo mangwana  wayinge uchivarotera here? Kana zvakabuda musarudzo zvakangobatirirwa, kuchagara kusina vatongi vatsva negutsaruzhinji ratinoda. Kuswikira rini takangomirira zvapuda musarudzo isu takotoona kwatakavhotera kuti takavhotera mutsauko. Viki rakapera, vanu vakanovota kuti vataure asi matauriro edu hasi kundzvika. Nasi izuva reku mira nerunyararo tichi cheukidza veku ZEC nemaporitizhieni kuti ISU, vavoti, ndisu varidzi vevhoti atimbo vumi kuti vangonyarara vasingatinzvi. Ngavanyare zvatakasarudza tichiyisa X.

Mwana asinga chemi anofira mumbereko.


MWANA WAKO AKATARISIRA IWEWE KUTI UMIRE NEKUNYARARA KUTI UDZIVIRIRE SARUDZO YAKO NEKU SUNUNGURA KUBUDA KWESARUDZO YAKO.


Nasi izuva rekuti tirambe takamira nekuda kutongwa kwevanhu kwakanaka.

Sarudzo yedu muviki rakapera yange irimwe ndzira yekuyeuchidza vatongi vedu kuti tirikuda gutsaruzhinji, inovumira kuti vanhu vose vawane ,mikana yakayenzana pakunzvanana kwevanhu, paupfumi wenyika, remekedzo rwedzimwe ndudzi, zvitendero, pasina basa kuti varungu, vatema, vanababa kana vanamai, vakapfuma, vasina, kana panezvose zvekubatirira vanhu.

Izvi ndizvo zvange tichifungidzira patakano sarudza vatongi vedu.  Tirikuda vatongi vacha kuridzira izvi:

·    Kugutsikana nemakodzero mutsika, nemagariro, zvematongerwo enyika, zvehupfumi
·    Mikana yakayenzana munzvimbo dzatinogara nemikana yakayenzana muvanhurume nevanhukadzi kuyenzana kwemarudzi akasiyana
·    Kuremekedza kodzero dzevanhu zvikuru kodzero dzevanhukadzi nevana
·    Rusununguko mukutaura zwaunoda, kusangana nekuwirirana newawunoda
·    Remekedzo rwedzimwe ndudzi nezvitendero zvevanhu
·    Kubuda pachena pane zvese zvavarikuita nekukwanisa kupindura mivunzo zvinogutsa.
·    Mikana yakayenzana munezvematongerwo enyika nezvehupfumi
·    Wese aparamhosva anofanirwa kutongwa pangasingatariswe kuti ndiani – uye mikana mukutongwa kunoenzana nekunzwisisa mutemo
·    Gachiriro yezviyitiko zvakayitika kare zvashunguradza vanhu zvakayita seGukurahundi neMurambatsvina
·    Gutsaruzhinji
·    Kuve nemukana wekuwana dzidzo
·    Kuve nemukana wekuwana kudya kwakakwana
·    Kuve nemukana wekuwana dzimba, magetsi, chimbudzi nemvura yakachena
·    Kunge tichirapwawo muzvipatara nemari dziripasi uyezve kuwana mishonga nemaARV’s
·    Mikana yakayenzana mukugoviwa kwevhu nezvokurimisa
·    Mikana yakayenzana munezvemabasa zvekuzvibatsira nehupfumi nekodzero yako yekunge uchiwana mari inokuraramisa
·    Kuva ne zvivakwa nezvifambiso zvisingadhure
·    Kushandiswa kwezviwanikwa zvedu ngakuite kuti zviwanikwa zvedu zvekurarama nekusingaperi

Sevana vemuZimbabwe tinofanirwa kuwana kutongwa kwakanaka kwevanhu kwatinogara tichizvitaura, asi tichazviwana kana takazvigadzirira kuramba takamira tichivaudza vatongi vedu zvatinoda isusu. Ngatitangei nasi.

Iyi ndiyo nguva yokusimba wakamirira mangwana yemwana wako