{"id":1744,"date":"2018-04-03T07:40:55","date_gmt":"2018-04-03T07:40:55","guid":{"rendered":"http:\/\/wozazim.org\/?p=1744"},"modified":"2018-04-03T07:51:06","modified_gmt":"2018-04-03T07:51:06","slug":"woza-moya-shona-africa-day-edition-may-2008","status":"publish","type":"post","link":"https:\/\/wozazim.org\/?p=1744","title":{"rendered":"Woza Moya \u2013 Shona \u2013 Africa Day Edition \u2013 May 2008"},"content":{"rendered":"<div class=\"content\">&#13;<\/p>\n<p align=\"center\"><strong>AFRICA DAY 25 MAY 2008<\/strong><\/p>\n<p align=\"center\"><strong>RAMBA WAKASHINGA UCHIMIRIRA MWANA WAKO<\/strong><\/p>\n<p>Sezvo nyika dzese dzemuAfrica dzichipemberera zuva re Africa Day viki rino, nengo dze WOZA dzakaona kusina kukosha kuita izvi. Musi wa 25 May izuva rekupemberera kugarisana kwakanaka nekubatana kwe Africa, asi hapana chekupemberera sezvo wurombo uchienderera mberi nemakore atinofanira kurarama achidzika. Chii chiripo chekupemberera sezvo maZimbabwe avasisina kuvimba kuti kodzero ravo rekuvhota richaremekedzwa. Atisi kuona kuti vatungamiri ve Africa vachirikuremekedza hunhu vachiziva kuti vari vanhu navo vemu Africa. Vanhu vakaita savaRobert Mugabe naThabo Mbeki vanoziva kuti munhu munhu ne vanhu.<\/p>\n<p><strong>Robert Mugabe munhu \u2013 anoonekwa nechi bhakera.<\/strong><br \/>\nAwa ndiwo mashoko atirikuda kuudza vaMugabe nemusiwe Africa Day:<br \/>\nVa Robert Mugabe takukuzivai nemhirizhonga yamurikuunza kwatiri \u2013 vanhu vemuZimbabwe. Tino remekedza zvamakaita kuti tiwane Zimbabwe yakanaka asimhirizhonga yamurikuita inowonekwa nemaratidziro enyu echibhakera anakunaka. Vanhu vekuMatebeleland nekuMidlands vaitsigira ZAPU vakauraiwa panguva yeGukurahundi pakutanga kwegore ra 1980. Vagari vekumunda wePorta vakasangana nayo mhirizhonga iyi navo sezvo vaitsigira va Ndabaningi Sithole.Muna 2000 vakatanga chirongwa chekutora mapurazi zvisiri pamutemo vechishandisa mhirizhonga vachida kuranga maZimbabwe akaramba kuiiswa kwezvigamba mubumbiro remitemo, naizvozvo atichawani kudya kwakakwana. Mugore raa 2005 kwakaitiwa chirongwa che Operation Murambatsvina apa vaida kudzikisa hutsigiri hwe Movement for Democratic Change sevzo taibva musarudzo dza 31March 2005. Takuona chimwe chirongwa chinonzi \u2018Operation Mavhotera papi\u2019 apa vairanga vanhu vakateedzera kodzero ravo rekuvhota. Tirikuda kuti murangarire vesi remu bhayibheri rinoti zvinu zvese zvine nguva yazvo saka remekedzai kuti ma Zimbabwe akavhotera mutsauko March.<\/p>\n<p><strong>Thabo Mbeki munhu naye.<\/strong><br \/>\nAwa ndiwo mashoko atirikuudza va Thabo Mbeki:<br \/>\nPamaka batana ruoko navaRobert Mugabe mukati \u2018akuna chakaipa muZimbabwe\u2019vanhu vemuZimbabwe nevemunyika yenyu vakashamiswa nekuita kwenu. Kusava nehanya kwenyu kwakaratidzika nekunonoka kwenyu kutaura zvirikuitka munyika yenyu apo vanhu vachirasikirwa neupenyu hwavo pasina zvabaka pama. Apo tichiviga varikuraiwa nemapurisa nevarikuuraiwa mu South Africa tirikuti ropa ravo ririmawoko enyu. Toda kuti muchengetedze hunhu hwenyu muchi vanhu chedu muchiita zvamunotaura. Muchirinenguva yokuti murarame zvakanaka.<\/p>\n<p>Kwasara viki rimwe kuti tiyende musarudzo dzekusarudza mutungamiri wenyika asi mhirizhonga irikuenderera mberi zvakanyanyisa. Tichitarisa mabasa eWOZA tichaedza nenzira dzese kuti tiudze vanhu kuti vano vhota. Tichavaudza kuti vanyasowongorora kuti vaMugabe ivo banotungamira \u2018bato rakarwa hondo\u2019 vakundikana kuunza Gutsaruzhinji. Nekuramba kupudisa zvakapuda musarudzo nenguva nekutanga mhirizhonga kuvanu vakavhota zvino ratidza kuti kuramba kwake rusununguko ruzere rwakafirwa nemagamba edu kuti mumwe nemumwe achava ne vhoti yake. KumaZimbabwe ose nga tivotereyi vaMorgan Tsvangirai timupe mukana kuva mutungamiri naye.<\/p>\n<p><strong>ISU ZVIZVARWA ZVEMUZIMBABWE TINODA ZVINOTEVERA:<\/strong><br \/>\n1.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 ZANU PF inofanirwa kubvisa makempu e ma militia, voregedza mhirizhonga kuvana vemu Zimbabwe.<\/p>\n<p>2.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Mapurisa ngavasunge vese varikukonzera mhirizhonga besingatyi.<\/p>\n<p>3.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Tirikuti kuva tungamiriri vose varimumatongero enyika ropa rakateuka kuti mumwe ne mumwe ave nevhoti yake sakatichaenderera mberi neku vhota nekudzivirira vhoti yedu murunyararo.<\/p>\n<p>4.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Tirikuti kuvarwiri verusununguko vechokwadi tibetserei kupedza mhirizhonga iripo nekutaura pachena varikupama mhirizhonga iyi muzita renyu<\/p>\n<p>5.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Tinoda kuudza mapurisa kuti hakuna runyararo kana kusina kutongwa kwakanaka. Gamuchirai kuti maZimbabwe avhotera mutsauko saka regerai kushandiswa kuita mhirizhonga. Kana shanduko yauya yauya. WOZA ichada kuti pave nekuongororwa kwevashandi vemuhurunde zvichivatanidzwa nemapurisa nemasoja. Isu vagarisani nemi tinokuzivai nezvese zvamurukuita zvakaipa nezvakanaka hatizokanganwi tererai zvakanaka vakuru venyu vachawana zvakanaka zvakawanda kanavakusiyi basa vachienda kupenjeni asi imi muchasiiwa pachena makutongerwa mhosva dvenyu.<\/p>\n<p>6.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Hurumende yeZimbabwe yogadzirisa zvirikudiwa ne SADC pakuita sarudzo vozo teedzera mirao yacho, ne ZEC yovumirwa kuita basa rao zvakanaka<\/p>\n<p>7.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Tirikuti kune ZEC ngairatidze hunyanzi hwayo\u00c2\u00a0 nekusadeera kudivi rimwe rematongerwo enyika, vaone kuti zvapuda musarudzo zvabudiswa pachena \u201924hrs\u2019 kubva kuvarwa kwemabhokisi atavhotera.<\/p>\n<p>8.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Tirikushedzera kunyika dzemu SADC, African Union ne United Nations kuti vatumire vanotarisa nezvesarudzo\u00c2\u00a0 munaraunda dzese dzeZimbabwe kuitira kuti tive nechivimbo chekuvhota. Vanofanirwa kutaura pachokwadi zvirikuitika ikoko<\/p>\n<p>9.\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0\u00c2\u00a0 Kuhurumende ye South Africa tirikukumbira kuti moisa pachena mutongo wevanhu vakatanga mhirizhonga [Xenopphobia attacks].<\/p>\n<p>Tirikuda kutenda masangano akazvimirirra oga emuno nedzimwe nyika nekuratidza hanya kumuri ye Zimbabwe \u2013 vakazviita nekuratidzira ku Nigeria, Ghana, South Africa ne Botswana maviki afura. Tirikuva koka kuti ngavauye vazoongorora sarudzo dziriku uya\u00c2\u00a0 nekuti vagare vachitinamatirawo sezvo tasvika murima rekuedza<\/p>\n<p>Zvekupedzisira tirikuudza vanhu vemu Zimbabwe kuti vave ne runyararo voona kuti vhoti yavo ichaveregwa muviki inotevera<\/p>\n<p>Mirira ramangwana remwanawako nekuvhotera mutungamiri achaunza Gutsaruzhinji musi wa27 June 2008<\/p>\n<p align=\"center\"><strong>YANGUVA YEMUTSAUKO<\/strong><\/p>\n<p>\t\t&#13;\n\t<\/p><\/div>\n","protected":false},"excerpt":{"rendered":"<p>&#13; AFRICA DAY 25 MAY 2008 RAMBA WAKASHINGA UCHIMIRIRA MWANA WAKO Sezvo nyika dzese dzemuAfrica dzichipemberera zuva re Africa Day viki rino, nengo dze WOZA dzakaona kusina kukosha kuita izvi. Musi wa 25 May izuva rekupemberera kugarisana kwakanaka nekubatana kwe Africa, asi hapana chekupemberera sezvo wurombo uchienderera mberi nemakore atinofanira kurarama achidzika. Chii chiripo chekupemberera &hellip; <a href=\"https:\/\/wozazim.org\/?p=1744\" class=\"more-link\">Continue reading <span class=\"screen-reader-text\">Woza Moya \u2013 Shona \u2013 Africa Day Edition \u2013 May 2008<\/span> <span class=\"meta-nav\">&rarr;<\/span><\/a><\/p>\n","protected":false},"author":1,"featured_media":0,"comment_status":"open","ping_status":"open","sticky":false,"template":"","format":"standard","meta":{"footnotes":""},"categories":[1],"tags":[],"class_list":["post-1744","post","type-post","status-publish","format-standard","hentry","category-uncategorized"],"_links":{"self":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1744","targetHints":{"allow":["GET"]}}],"collection":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts"}],"about":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/types\/post"}],"author":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/users\/1"}],"replies":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fcomments&post=1744"}],"version-history":[{"count":1,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1744\/revisions"}],"predecessor-version":[{"id":1815,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1744\/revisions\/1815"}],"wp:attachment":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fmedia&parent=1744"}],"wp:term":[{"taxonomy":"category","embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fcategories&post=1744"},{"taxonomy":"post_tag","embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Ftags&post=1744"}],"curies":[{"name":"wp","href":"https:\/\/api.w.org\/{rel}","templated":true}]}}