{"id":1362,"date":"2018-04-03T07:29:52","date_gmt":"2018-04-03T07:29:52","guid":{"rendered":"http:\/\/wozazim.org\/?p=1362"},"modified":"2018-04-03T07:32:03","modified_gmt":"2018-04-03T07:32:03","slug":"woza-moya-shona-edition-may-2007","status":"publish","type":"post","link":"https:\/\/wozazim.org\/?p=1362","title":{"rendered":"Woza Moya \u2013 Shona edition \u2013 May 2007"},"content":{"rendered":"<div class=\"content\">&#13;<\/p>\n<p><b>Kutaura nenyaya yenhaurirano \u2013 mawonero eWOZA nenzira \u2013 gumi dzekupinda muZimbabwe itsva<\/b> <\/p>\n<p>WOZA yaiverenga nekunzwa nezvenhaurirano inodawo kutaura mafungiro ayo.<\/p>\n<p>Chekutanga, tinoda kuziva kuti chinangwa chemutungamiri weSouth Africa Thabo Mbeki, newe Tanzania Kikwete nehama dzedu dzeSADC vanoda kuburitsa chii panhaurirano iyi. Kuvapo kwavo kunounza hurumende itsva here pasina zvemetongerwo enyika, upfumi nekugara kwakanaka kana kuti chinangwa chavo chinoreva zvimwe zvinopfuura izvi  kana kuti tivati vayananisi vechokwadi. Hurumende iripo inofanira kurega hurongwa uhu huchienderera mberi pasina kuviringidzwa uye kuti ibve pachigaro kutendera hurumende itsva. Ticharamba tichivakurudzira kuti vaite izvi kuti tiwane mukana wekupinda muZimbabwe itsva, vanhu veZimbabwe vachagara vachifara vakaenzana uye vane rukudzo. <\/p>\n<p><b>Chinangwa chedu ndechei sevanhu veZimbabwe vakatakura mitoro inorema tichikundikana kurarama?<\/b><\/p>\n<p>Chinangwa chedu chingatsanangudzwa nenzira iyi. Tinoziva pane moto uye kuti pane poto irikufashaira iripo. Hatina kubvunzwa chekubika neachadya  chikafu chacho kana chaibva. Takamirira kudaidzwa kuti tigowane chikafu, tiri mubishi kutsvaga huni nekudziunza pamoto kuitira kuti avo vari kubika vaone kukuchidzira moto, kuitira kuti kana watanga kubvira dzinenge dziri huni dzedu dzaita kuti ubvire zvakare kuitira kuti poto irambe ichifashaira. Kana chikafu chapera kubikwa tichakumbira nzvimbo patafura kuti tigowane chikafu chabikwa nehuni dzedu. Kana chikafu chakabikwa zvakaipa, ticharamba kudya, tokumbira nzira imwe iri nani yokubika tovayeuchidza kuti vanamai ndivo vanogona kubika chikafu chinogara chichirangarirwa!<\/p>\n<p>Tinogona kuenderera mberi tichiti, avo vari kuyananisa munhaurirano nevematongerwo enyika vari mazviri, vanofanira kunge vachifunga zvakashandiswa pakubika chikafu kuti chive chakanaka nekufarirwa nevanhu vese vemuZimbabwe:<\/p>\n<p>1.\tMhirizhonga munzira dzose inofanira kumira kutendera nhaurirano kuti pamwe ingapodza zviri kuitika.<br \/>\n2.\tVose vane chekuita mumusangano uyu vanofanira kubvunzwa nevamwewo vachipawo pfungwa dzavo vakaita sevanotevera: vose vematongerwo enyika, mapoka anozvimirira, machechi, vashandi, vemabhizinisi, vechidiki nemadzimai, vose vachiwana zvakayenzana. Chinangwa chiri chekuti panoitwa nhaurirano paiswe vanofanomirira kuchigadziriswa bumbiro. Vamiriri ava vanofanira kutambira zvinotevera:<br \/>\n3.\tKutora masimba ezvemitemo toenda kune vasinga kwanisi kutaura zvavanofunga uye kuita misangano yakaita sePOSA nemukana yekuva neruzivo nekuchengetedza zvakavanzika (AIPPA). Tinoti ngazvipere zvekusarudza mitemo.<br \/>\n4.\tKuita wongororo yevashandi vehurumende, magweta, nevezvemitemo nezveruzivo rwavo nevasinei nezvematongerwo enyika. Vanobatikana vanofanira kuendeswa kunodzidziswa kana kunobvunzuridzwa, vanoona nezvekuchengetedzwa kwemitemo, mapurisa nevechidiki vanofanira kubviswa voendeswa kunzvimbo yavanofanira kunge vari.<br \/>\n5.\tTotangisa kudzorera venharaunda dzekunze kwenyika netarisiro yekudzosera upfumi kuita kuti mabasa awande.<br \/>\n6.\tKuita wongororo yeivhu kuti kugadzwe zvino zvisingazobviswe kuitira kupedza dambudziko rekushaikwa kwechikafu.<br \/>\n7.\tKugadzirisa kunyorwa kwebumbiro kusanganisira hurumende yenguvarefu tichibvunza vanhu vese veZimbabwe vari muno nevari kunze.<br \/>\n8.\tKwava kutora zvabuda pabumbiro remutemo nehurumende yenguvarefu toisa mumagwaro anotungamirwa uyezve akawongororwa neSADC.<br \/>\n9.\tKugadzira sarudzo kusanganisira kumahofisi evanopa zvitupa, kugadzira mutemo mutsva wekuvhota, kusarudza akazvimirira kukomiti yesarudzo kuti igadzirire bhuku rine vanhu vanovhota nekugadzirira kunovhota. Tinenge tava kuti kuna Tobaiwa Mudede nehuori hwake zvatibva.<br \/>\n10.\tToona kuti sarudzo dzaitwa zviri pamutemo weSADC nyika dzemhiri kwemakungwa nedzakatikomberedza nevatarisi vemuno. Vamiriri ndivo vanozotaura vanenge vakunda pasarudzo.  <\/p>\n<p><i>\u00e2\u20ac\u0153Ngatisanamatire kuti ndidzivirirwe pangozi asi ndinamatire kuti ndive nechivindi chekutarisana nengozi. Ngandisa kumbire kuti ndinzwe kurwadziwa asi ndikumbire moyo wokuti ndikunde kurwadziwa.\u00e2\u20ac\u009d Rabindranath Tagore<\/i><\/p>\n<\/p>\n<p><b>Nzira Dzokuratidzira Murunyararo<\/b><br \/>\n*\tHatizombofi takakuwadza munhu uyezve hatimbofi takadzosera mhirizhonga.<br \/>\n*\tTichava nekuvimbika tichabata munhu wese zvakanaka zvikuru seyi ezvemutemo.<br \/>\n*\tTichabudisa pachena mawonero edu uye hatizombochengeti zvigumbu.<br \/>\n*\tTichacherechedza munhu wese nekupa rubatsiro<br \/>\n*\tSevachengeti verunyararo tichacherechedza vamwe mumhirizhonga iyi.<br \/>\n*\tPanguva yekuratidzira hatizombofi takamhanya kana kuyita mayitiro akashata achavundutsa vanhu.<br \/>\n*\tKana tikawana varatidziri vachivundutsira vamwe tichapindira toyita runyararo. Kana varatidziri vakaita mirizhonga tinoregera kuyendamberi.<br \/>\n*\tHatibe kana kuparadza midziyo yevanhu.<br \/>\n*\tHatitombofi takatakurazvombo.<br \/>\n\u00c3\u00bc\tHatizombofi takatakura zvinodaka kanamishonga kunze kwemishonga yekurapa vanonga vakwara.<br \/>\n*\tTichachengetedza mitemo yedu nevamwe varatidziri kana pakavanekusa bvumirana tichaparadzana.<br \/>\n*\tTichabvumirana kuti tisave nemhirizhonga, hatimbofi takanyepa.<\/p>\n<p><i>Kana muchibvumirana nenzira dzekuyita murunyararo uyezve muchida kubatana neWOZA tumirayi matsamba enyu pa P. O. Box FM 701 Famona Bulawayo.  Utiwudze kuti uriani uyezve chii Chirikuita kuti ubatane neWOZA. Nyorayi nerurimi rwamunonzwisisa. Motitumira kero yenyu nechitamba kuyitira kuti tikutumidzireyi (Sisterhood Promise) mukango bvuma mashandiro edu tichakutumidzirai kadi rinoratidza kuti mava mumwe wedu.<\/i><\/p>\n<p>\t\t&#13;\n\t<\/p><\/div>\n","protected":false},"excerpt":{"rendered":"<p>&#13; Kutaura nenyaya yenhaurirano \u2013 mawonero eWOZA nenzira \u2013 gumi dzekupinda muZimbabwe itsva WOZA yaiverenga nekunzwa nezvenhaurirano inodawo kutaura mafungiro ayo. Chekutanga, tinoda kuziva kuti chinangwa chemutungamiri weSouth Africa Thabo Mbeki, newe Tanzania Kikwete nehama dzedu dzeSADC vanoda kuburitsa chii panhaurirano iyi. Kuvapo kwavo kunounza hurumende itsva here pasina zvemetongerwo enyika, upfumi nekugara kwakanaka kana &hellip; <a href=\"https:\/\/wozazim.org\/?p=1362\" class=\"more-link\">Continue reading <span class=\"screen-reader-text\">Woza Moya \u2013 Shona edition \u2013 May 2007<\/span> <span class=\"meta-nav\">&rarr;<\/span><\/a><\/p>\n","protected":false},"author":1,"featured_media":0,"comment_status":"open","ping_status":"open","sticky":false,"template":"","format":"standard","meta":{"footnotes":""},"categories":[1],"tags":[],"class_list":["post-1362","post","type-post","status-publish","format-standard","hentry","category-uncategorized"],"_links":{"self":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1362","targetHints":{"allow":["GET"]}}],"collection":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts"}],"about":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/types\/post"}],"author":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/users\/1"}],"replies":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fcomments&post=1362"}],"version-history":[{"count":1,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1362\/revisions"}],"predecessor-version":[{"id":1464,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=\/wp\/v2\/posts\/1362\/revisions\/1464"}],"wp:attachment":[{"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fmedia&parent=1362"}],"wp:term":[{"taxonomy":"category","embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Fcategories&post=1362"},{"taxonomy":"post_tag","embeddable":true,"href":"https:\/\/wozazim.org\/index.php?rest_route=%2Fwp%2Fv2%2Ftags&post=1362"}],"curies":[{"name":"wp","href":"https:\/\/api.w.org\/{rel}","templated":true}]}}